Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 12:17-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.

18. Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.

19. Miromo yezvokwadi ichasimbiswa nokusingaperi, asi rurimi runoreva nhema runogara kwechinguva chiduku.

20. Mune kunyengera mumwoyo yaavo vanoronga zvakaipa, asi rufaro rwuri kune avo vanokurudzira rugare.

21. Akarurama haangatongowirwi nezvakaipa, asi vakaipa vachava namatambudziko akavafanira.

22. Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

23. Munhu akachenjera anovanza zivo yake, asi mwoyo yamapenzi inotaura zvoupenzi.

24. Maoko anoshingaira achatonga, asi usimbe hunopedzisira mukushanda somuranda.

25. Mwoyo unopunyaira unoremedza munhu, asi shoko nyoro rinomufadza.

26. Munhu akarurama anochenjerera ushamwari, asi nzira yavakaipa inovatungamirira mukurasika.

27. Munhu ane usimbe haagochi mhuka yaabata, asi munhu anoshingaira anokoshesa pfuma yake.

28. Munzira yokururama mune upenyu; kwainoenda hakuna rufu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 12