Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 12:11-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Uyo anoshanda mumunda wake achava nezvokudya zvakawanda, asi uyo anongotevera zvisina maturo anoshayiwa zivo.

12. Vakaipa vanopanga zvakapambwa zvavanhu vakaipa, asi mudzi woakarurama unobereka zvibereko.

13. Munhu akaipa anobatwa nokutaura kwake kwakaipa, asi munhu akarurama anopunyuka padambudziko.

14. Kubva pazvibereko zvemiromo yake munhu anozadzwa nezvinhu zvakanaka, zvirokwazvo sokupiwa mubayiro kwaanoitwa nebasa ramaoko ake.

15. Nzira yebenzi inoita seyakanaka kwaari, asi munhu akachenjera anoteerera kurayira.

16. Benzi rinoratidza kutsamwa pakarepo, asi munhu akachenjera anoshayira hanya kutukwa.

17. Chapupu chezvokwadi chinopa uchapupu hwezvokwadi, asi chapupu chenhema chinoreva nhema.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 12