Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:6-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7. Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.

8. Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

9. Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

10. Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

11. Muromo womunhu akururama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

12. Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

13. Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yavane njere, asi shamhu yakafanira musana wouyo asina njere.

14. Vanhu vakachenjera vanochengeta zivo, asi muromo webenzi unotsvaka kuparara.

15. Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.

16. Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.

17. Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

18. Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10