Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7. Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.

8. Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

9. Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

10. Uyo anochonya neziso roruvengo anouyisa kusuwa, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

11. Muromo womunhu akururama chitubu choupenyu, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

12. Ruvengo runomutsa kupesana, asi rudo runofukidzira zvakaipa zvose.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10