Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:27-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.

28. Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.

29. Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.

30. Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.

31. Muromo womunhu akarurama unobudisa uchenjeri, asi rurimi rwakaipa ruchabviswa.

32. Miromo yomunhu akarurama inoziva zvakafanira, asi muromo womunhu akaipa, zvakaipa chete.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10