Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:25-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

25. Kana dutu rapfuura napo, vakaipa havazowanikwi, asi vakarurama vachamira vakasimba nokusingaperi.

26. Sevhiniga kumazino noutsi kumaziso, ndizvo zvakaita simbe kuna avo vachamutuma.

27. Kutya Jehovha kunowedzera mazuva kuupenyu, asi makore owakaipa achatapudzwa.

28. Tarisiro yowakarurama mufaro, asi tariro dzowakaipa dzichaparadzwa.

29. Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama, asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.

30. Akarurama haangatongodzurwi, asi vakaipa havangarambi vari munyika.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10