Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

19. Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

20. Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21. Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22. Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10