Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Upfumi hwavakapfuma ndiro guta ravo rina masvingo, asi urombo ndiko kuparadzwa kwavarombo.

16. Mubayiro wavakarurama ndihwo upenyu, asi zvinowanikwa nowakaipa ndiko kurangwa.

17. Uyo anoteerera kurayira anoratidza nzira youpenyu, asi ani naani anozvidza kudzorwa anotsausa vamwe.

18. Uyo anovanza ruvengo rwake ane miromo inoreva nhema, uye ani naani anoparadzira guhwa ibenzi.

19. Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

20. Rurimi rwakarurama isirivha yakaisvonaka, asi mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21. Miromo yemunhu akarurama inosimbisa vazhinji, asi mapenzi anofa nokuda kwokushayiwa zivo.

22. Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi, uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10