Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 10:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake.

2. Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu.

3. Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure.

4. Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa.

5. Uyo anounganidza zvirimwa muzhizha, mwanakomana akachenjera, asi uyo anorara munguva yokukohwa, mwanakomana anonyadzisa.

6. Maropafadzo ndiwo korona yomusoro woakarurama, asi kuita nechisimba kuzere mumuromo womunhu akaipa.

7. Kuyeukwa kwowakarurama kuchava chikomborero, asi zita rowakaipa richaora.

8. Akachenjera pamwoyo anogamuchira mirayiro, asi benzi rinotaura zvisina maturo richaparara.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 10