Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 1:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa,

6. kuti vanzwisise zvirevo nemifananidzo, mashoko nezvirahwe zvavakachenjera.

7. Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo, asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

8. Mwanakomana wangu teerera, kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

9. Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

10. Mwanakomana wangu, kana vatadzi vachikukwezva, usabvuma zvavari kuda kuti uite.

11. Kana vakati, “Handei tose; ngativandirei munhu timuuraye; ngativandirei mweya usina mhosva;

12. ngativamedzei vari vapenyu, seguva, uye vakakwana kudaro savaya vanodzika mugomba;

13. tichawana marudzi ose ezvinhu zvinokosha tigozadza dzimba dzedu nezvatichapamba;

14. isa zvinhu zvako pamwe chete nesu, tigova nechikwama chimwe chete,”

15. mwanakomana wangu, usabvumirana navo, usaisa rutsoka panzira dzavo;

16. nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira muchivi, vanokurumidza kundodeura ropa.

17. Hazvibatsiri sei kutambanudza mumbure shiri dzose dzichinyatsoona!

18. Varume ava vanovandira ropa ravo vamene; vanozvivandira ivo pachavo!

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 1