Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvirevo 1:22-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. “Kusvikira riniko imi vasina mano, muchingoda kugara musina mano? Kusvikira riniko vaseki vachifarira kuseka, uye mapenzi achivenga zivo?

23. Dai makateerera kutsiura kwangu, ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.

24. Asi sezvo makandiramba pandakakudanai uye pasina kana mumwe akateerera pandakatambanudza ruoko rwangu,

25. sezvo makashaya hanya nokurayira kwangu,

26. iniwo ndichaseka panguva yenjodzi yenyu; ndichaseka dambudziko parichakusvikirai,

27. dambudziko parichakukundai sedutu, njodzi paichavhuvhuta pamusoro penyu sechamupupuri, nhamo namatambudziko pazvichakukundai.

28. “Ipapo vachadana kwandiri asi ini handingavapinduri; vachanditsvaka asi havangandiwani.

29. Sezvo vakavenga zivo uye vakasasarudza kutya Jehovha,

Verenga chitsauko zvakakwana Zvirevo 1