Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 9:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ashikeroni richazviona, rigotya; Gaza richatambura mukurwadziwa, neEkironiwo, nokuti tariro yaro ichapera. Gaza richarasikirwa namambo waro uye Ashikeroni haringavi navanhu.

6. Vatorwa vachagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFiristia.

7. Ndichabvisa ropa pamiromo yavo, kudya kusingabvumirwi pakati pamazino avo. Vaya vakasara vachava vanhu vaMwari wedu uye vachava vatungamiri muJudha, uye Ekironi achava savaJebhusi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 9