Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 9:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Ipapo Jehovha achaonekwa pamusoro pavo; museve wake uchapenya semheni. Ishe Jehovha acharidza hwamanda; achafamba mudutu rezasi.

15. Uye Jehovha Wamasimba Ose achavadzivirira. Vachaparadza uye vachakunda nezvimviriri. Vachanwa vagoomba sevanwa waini; vachazara sembiya dzinoshandiswa pakusasa makona earitari.

16. Jehovha Mwari wavo achavaponesa pazuva iroro seboka ravanhu vake, Vachavaima munyika yake samabwe anokosha ari mukorona.

17. Kuyevedza kwavo nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichaita kuti majaya akure, uye waini itsva kuti mhandara dzikure.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 9