Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 8:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.”

3. Zvanzi naJehovha, “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.”

4. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Varume navakadzi vakwegura vachagarazve mumigwagwa yeJerusarema, mumwe nomumwe aine mudonzvo muruoko nokuda kwokukwegura kwake.

5. Migwagwa yeguta ichazara navakomana navasikana vanotambamo.”

6. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

7. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndichaponesa vanhu vangu kubva kunyika dzokumabvazuva nedzokumavirira.

8. Ndichavadzosazve kuti vazogara muJerusarema; vachava vanhu vangu, uye ndichava akatendeka uye akarurama kwavari saMwari wavo.’

9. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Imi munonzwa mashoko aya iye zvino, akataurwa navaprofita vaivapo nheyo dzemba yaJehovha Wamasimba Ose padzakateyiwa, maoko enyu ngaasimbe kuti temberi igovakwa.

10. Nguva iyoyo isati yasvika kwakanga kusina munhu aishandira mubayiro kana chipfuwo. Hapana aienda kundoita basa rake norugare nokuda kwomuvengi wake, nokuti ndakanga ndarwisanisa munhu wose nomuvakidzani wake.

11. Asi zvino handichazoitiri vanhu ava vakasara sezvandakaita pamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 8