Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 7:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi.

2. Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha

3. kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanhu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?”

4. Ipapo shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvika kwandiri richiti,

5. “Bvunza vanhu vose venyika uye navaprista kuti, ‘Pamakatsanya pakuchema nomwedzi wechishanu nowechinomwe kwamakore makumi manomwe akapfuura, makatsanyira ini zvechokwadi here?

6. Uye pamaidya nokunwa, makanga musingangozvifadzi here?

7. Aya haasiwo here mashoko aJehovha akaparidzwa kubudikidza navaprofita vekare, Jerusarema namaguta aro akarikomberedza parakanga riri parugare uye richibudirira, uye nyika yeNegevhi nomujinga mezvikomo zvokumavirira muchakagarwa navanhu?’ ”

8. Uye shoko raJehovha rakasvikazve kuna Zekaria richiti,

9. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 7