Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 6:6-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yokumusoro, ine mabhiza machena iri kuenda kumadokero, uye ine mabhiza mapfumbu iri kuenda kunyika yezasi.”

7. Mabhiza ane simba paakabuda akanga achitsvaka kuti aende nomunyika yose. Uye iye akati, “Endai munyika yose!” Saka akaenda nomunyika yose.

8. Ipapo akadanidzira kwandiri achiti, “Tarira, ayo anoenda kunyika yokumusoro, apa Mweya wangu zororo munyika yokumusoro.”

9. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

10. “Tora sirivha negoridhe kubva kuvatapwa vanoti Heridhai, naTobhiya uye naJedhaya, vasvika vachibva kuBhabhironi. Enda, zuva rimwe chetero, kuimba yaJosia mwanakomana waZefania.

11. Tora sirivha negoridhe ugadzire korona, uye ugodzika pamusoro womuprista mukuru, Joshua mwanakomana waJehozadhaki.

12. Muudze kuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Houno murume anonzi Davi, uye achakura panzvimbo yake uye achavaka temberi yaJehovha.

13. Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye achapfekedzwa ukuru agogara achitonga pachigaro chake. Uye achava muprista pachigaro chake. Uye pachava norugare pakati pezviviri izvi.’

14. Korona ichapiwa kuna Heridhai, naTobhiya, naJedhaya uye naHeni mwanakomana waZefania sechiyeuchidzo mutemberi yaJehovha.

15. Avo vari kure vachauya kuzobatsira kuvaka temberi yaJehovha, uye iwe uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose andituma kwauri. Izvi zvichaitika kana ukateerera zvakanaka Jehovha Mwari wako.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 6