Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 5:8-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu.

9. Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika.

10. Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesepiko dengu?”

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 5