Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 5:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.”

6. Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.”

7. Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo!

8. Mutumwa akati, “Uyu ndiye zvakaipa,” achibva amusundidzira zvakare mudengu uye ndokuzarira muromo wedengu nehwidibiro yomutobvu.

9. Ipapo ndakasimudza meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva navakadzi vaviri, mhepo iri mumapapiro avo! Vaiva namapapiro anenge mapapiro edambiramurove, uye vakasimudza dengu vakaenda naro mudenga pakati pedenga nenyika.

10. Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Vari kuriendesepiko dengu?”

11. Akapindura akati, “Kunyika yeBhabhironi kundorivakira imba. Kana yapera, dengu richaiswa imomo panzvimbo yaro.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 5