Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 5:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka!

2. Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviria nokufara makubhiti gumib.”

3. Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune rimwe divi racho, mumwe nomumwe anopika zvenhema achaparadzwa.

4. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichabudisa kutuka, uye kuchapinda muimba yembavha nomumba mouyo anopika nhema nezita rangu. Kucharamba kuri mumba make uye kuchaparadza zvose mapango namabwe ayo.’ ”

5. Ipapo mutumwa akanga achitaura neni akaswedera kwandiri akati, “Simudza meso ako uone kuti ichi chii chiri kubuda apo.”

6. Ndakabvunza ndikati, “Chiiko?” Akapindura akati, “Iri idengu rokuyeresa.” Uye akatizve, “Ichi ndicho chitadzo chavanhu vari munyika yose.”

7. Ipapo hwidibiro yomutobvu yakasimudzwa, uye mukadzi akanga akagara mudengu imomo!

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 5