Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 14:4-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi.

5. Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye.

6. Pazuva iroro hakuzovi nechiedza, kutonhora kana chando.

7. Richava zuva rakasiyana namamwe, risina nguva dzousiku kana nguva dzamasikati, zuva rinozivikanwa naJehovha. Kana madekwana asvika, chiedza chichavapo.

8. Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando.

9. Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga.

10. Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo.

11. Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka.

12. Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make.

13. Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana.

14. Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji.

15. Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namahesera, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo.

16. Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba.

17. Kana marudzi ose avanhu vapanyika akasaenda kuJerusarema kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, havanganayirwi nemvura.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 14