Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta.