Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zekaria 12:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Pazuva iro ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya uye mutasvi waro nokupenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Ndicharamba ndakatarira paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ose endudzi.

5. Ipapo vatungamiri veJudha vachati mumwoyo yavo, ‘Vanhu veJerusarema vakasimba, nokuti Jehovha Wamasimba Ose ndiye Mwari wavo.’

6. “Pazuva iro ndichaita kuti vatungamiri veJudha vaite segango pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote. Vachaparadza kurudyi nokuruboshwe ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, asi Jerusarema richaramba riri panzvimbo paro.

7. “Jehovha achaponesa misha yeJudha kutanga, kuitira kuti kukudzwa kweimba yaDhavhidhi uye nokwavagari vomuJerusarema kurege kupfuura kweJudha.

8. Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vaya vagere muJerusarema, zvokuti anoshayiwa simba pakati pavo achava saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari, soMutumwa waJehovha anoenda pamberi pavo.

9. Pazuva iroro ndichaenda kundoparadza ndudzi dzose dzinorwisa Jerusarema.

10. “Uye ndichadurura mweya wenyasha nowokunyengetera paimba yaDhavhidhi uye napavagari veJerusarema. Vachatarisa kwandiri, iye wavakabaya, uye vachamuchema souya anochema mwana wake mumwe oga, uye vachachema kwazvo souya anochema mwanakomana wedangwe.

11. Pazuva iro muJerusarema muchava nokuchema kukuru sokuchema kweHadhadhi Rimoni mubani reMegidho.

12. Nyika ichachema, mhuri imwe neimwe iri yoga, nevakadzi vavo vari voga:

13. mhuri yeimba yaRevhi navakadzi vavo, mhuri yaShimei navakadzi vavo,

14. uye nedzimwe mhuri dzose navakadzi vavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zekaria 12