Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zefania 3:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. “Ndakaparadza ndudzi; shongwe dzavo dzakaparara. Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi, hapasisina anopfuura nomo. Maguta avo akaparadzwa; hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.

7. Ndakati kuguta, ‘Zvirokwazvo uchanditya ugogamuchira kudzorwa!’ Ipapo vagari varo havangaparadzwi, kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri. Asi vakanga vachine shungu dzokuita uori pakuita kwavo kwose.

8. “Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zuva randichasimuka kuti ndigopupura. Ndafunga kuunganidza ndudzi, kuunganidza ushe hwose uye nokudurura hasha dzangu pavari, kutsamwa kukuru kwangu kwose. Nyika yose ichaparadzwa nomoto wegodo rokutsamwa kwangu.

9. “Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu, kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha uye vamushumire nomwoyo mumwe.

10. Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu, vanhu vangu vakapararira, vachandiunzira zvipiriso.

11. Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira, nokuti ndichabvisa kubva muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo. Hamungazovizve namanyawi pagomo rangu dzvene.

12. Asi ndichasiya pakati penyu vanyoro vanozvininipisa, vanovimba nezita raJehovha.

13. Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa; havangarevi nhema, uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo. Vachadya uye vagorara pasi, uye hapana angavatyisa.”

14. Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema!

15. Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.

16. Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba.

Verenga chitsauko zvakakwana Zefania 3