Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo.