Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zefania 2:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Unganai, unganai, imi rudzi runonyadzisa,

2. nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu.

3. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.

4. Gaza richasiyiwa uye Ashikeroni richasiyiwa rava dongo. Pamasikati makuru Ashidhodhi richasiyiwa risisina chinhu uye Ekironi radzurwa.

5. Mune nhamo imi munogara pedyo negungwa, imi vanhu veKereti; shoko raJehovha rinokurwisa, iwe Kenani nyika yavaFiristia. “Ndichakuparadza, uye hapana achasara.”

6. Nyika iri pedyo negungwa, panogara vaKereti, ichava nzvimbo yavafudzi namatanga ehwai.

7. Ichava yavakasara veimba yavaJudha; vachawana mafuro ikoko. Mumadekwana vachavata pasi mudzimba dzaAshikeroni. Jehovha Mwari wavo achavachengeta; Achavadzorera pfuma yavo.

8. “Ndakanzwa kutuka kwaMoabhu nokuzvidza kwavaAmoni, avo vakatuka vanhu vangu uye vakatyisidzira nyika yavo.

9. Naizvozvo, zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “zvirokwazvo Moabhu achaita seSodhomu, vaAmoni seGomora, nzvimbo yesora namakomba emunyu, matongo nokusingaperi. Vakasara vavanhu vangu vachavapamba; vachararama vorudzi rwangu vachagara nhaka yenyika yavo.”

10. Izvi zvavachawana nokuda kwokuzvikudza kwavo, nokuti vakatuka uye vakadadira vanhu vaJehovha Wamasimba Ose.

Verenga chitsauko zvakakwana Zefania 2