Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zefania 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. vaya vanotsauka kubva pakutevera Jehovha uye vasingatsvaki Jehovha kana kubvunza kwaari.

7. Nyararai pamberi paIshe Jehovha, nokuti zuva raJehovha rava pedyo. Jehovha agadzirira chibayiro; akavaita vatsvene, vaya vaakakoka.

8. Pazuva rechibayiro chaJehovha, ndicharova machinda navanakomana vamambo, navaya vose vakapfeka nguo dzavatorwa.

9. Pazuva iro ndicharova vose vanonyenyeredza kuti vasatsika paburiro, vanozadza temberi yavamwari vavo nechisimba nounyengeri.

Verenga chitsauko zvakakwana Zefania 1