Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 9:7-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Jotamu akati azvinzwa, akakwira pamusoro peGomo reGerizimu akadanidzira kwavari akati, “Nditeererei imi vagari veShekemu, kuti Mwari agoteerera kwamuri.

8. Rimwe zuva miti yakabuda kundozodza mambo wayo. Vakati kumuti womuOrivhi, ‘Iva mambo wedu.’

9. “Asi muti womuOrivhi wakapindura ukati, ‘Ko, ndingada kusiya mafuta angu, anoremekedzwa nezvose, vamwari navanhu, kuti ndinozengaira hangu pamusoro pemiti here?’

10. “Shure kwaizvozvo, miti yakati kumuonde, ‘Uya uzova mambo wedu.’

11. “Asi muonde wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya muchero wangu, wakanaka kudai uye unotapira, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’

12. “Ipapo miti ikati kumuzambiringa, ‘Uya uzova mambo wedu.’

13. “Asi muzambiringa wakapindura ukati, ‘Ndingada hangu kusiya waini yangu inofadza vose vamwari navanhu, kuti ndinozengaira pamusoro pemiti here?’

14. “Pakupedzisira, miti yose yakati kurukato, ‘Uya uve mambo wedu.’

15. “Rukato rukati kumiti, ‘Kana muchida kundizodza kuti ndive mambo wenyu zvirokwazvo, uyai muvande pamumvuri wangu; asi kana zvisizvo, moto ngaubude murukato ugopisa misidhari yeRebhanoni!’

16. “Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira,

17. uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani

18. (asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu),

19. kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna JerubhiBhaari nemhuri yake nhasi, Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo!

20. Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kunaAbhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”

21. Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.

22. Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 9