Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 9:46-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

46. Vachinzwa izvi vagari vomushongwe yeShekemu, vakapinda munhare dzetemberi yaEriBheriti.

47. Abhimereki akati anzwa kuti vakanga vakaungana ipapo,

48. Iye navanhu vake vose vakakwira muGomo reZarimoni. Akatora demo akagura matavi, akaasimudza akaaisa pamapfudzi ake. Akarayira varume vaiva naye akati, “Kurumidzai! Itai zvamandiona ndichiita!”

49. Saka varume vose vakagura matavi vakatevera Abhimereki. Vakaatutira pamusoro penhare ndokuitungidza nomoto vanhu vari mukati. Saka vanhu vose vaiva mushongwe yeShekemu, varume navakadzi vanenge chiuru chimwe chete vakafawo.

50. Shure kwaizvozvo Abhimereki akaenda kuTebhezi akarikomba uye akaritapa.

51. Kunyange zvakadaro, mukati meguta makanga mune shongwe yakasimba, munova ndimo makatizira varume vose navakadzi, navanhu vose veguta. Vakazvikiyira mukati vakakwira padenga reshongwe.

52. Abhimereki akaenda kushongwe iyo uye akairwisa. Asi akati achiswedera pamukova weshongwe kuti aipise nomoto,

53. mukadzi akakanda guyo pamusoro pake rikatsemura dehenya rake.

54. Pakarepo akadana mutakuri wenhumbi dzake dzokurwa akati, “Vhomora munondo wako undiuraye, kuti vasazoti, ‘Akaurayiwa nomukadzi.’ ” Saka muranda wake akamubaya akafa.

55. VaIsraeri vakati vaona kuti Abhimereki afa, vakaenda kumusha.

56. Naizvozvo Jehovha akatsiva kuipa kwaAbhimereki kwaakaita kuna baba vake nokuponda vanakomana vababa vake makumi manomwe.

57. Mwari akaitawo kuti varume veShekemu varipe zvakaipa zvavo zvose. Kutuka kwaJotamu, mwanakomana waJerubhi-Bhaari kwakauya pamusoro pavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 9