Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 9:21-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.

22. Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,

23. Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari veShekemu, ukanyengera Abhimereki.

24. Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomunun'una wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.

25. Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.

26. Zvino Gaari mwanakomana waEbhedhi akaenda navanun'una vake kundogara muShekemu, uye vagari vomo vakavimba naye.

27. Vakaenda kuminda vakandounganidza mazambiringa uye vakaasvina uye vakaita mutambo. Vakapinda mutemberi yamwari wavo, vakadya nokunwa uye vakatuka Abhimereki.

28. Ipapo Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki ndianiko uye Shekemu ndianiko, kuti tive varanda vake? Ko, haazi mwanakomana waJerubhi-Bhaari, uye Zebhuri haazi mutevedzeri wake here? Shandirai vanhu vaHamori, baba vaShekemu! Seiko tichishandira Abhimereki?

29. Dai chete vanhu ava vanga vari pasi pangu! Ipapo ndaimubvisa. Ndaizoti kuna Abhimereki, ‘Dana hondo yako yose!’ ”

30. Zebhuri mubati weguta akati anzwa zvakataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi, akatsamwa zvikuru.

31. Akatuma nhume kuna Abhimereki muchivande achiti, “Gaari mwanakomana waEbhedhi uye navanun'una vake vakasvika kuShekemu uye vari kukuchidzira guta kuti rikurwisei.

32. Saka zvino, usiku, imi navanhu venyu munofanira kuzovandira muri muminda.

33. Panguva dzamangwanani, zuva robuda, mupinde murwise guta. Panouya Gaari navanhu vake kuti vabude kuzorwa nemi, muite zvose zvamunogona noruoko rwenyu.”

34. Saka Abhimereki namauto ake akasimuka usiku akaenda kunzvimbo dzakavanda pedyo neShekemu mumapoka mana.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 9