Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 9:16-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. “Zvino kana imi makaita zvinokudzwa uye zvakatendeka pamakaita Abhimereki mambo, uye kana makaita zvakanaka kuna Jerubhi-Bhaari nokumhuri yake, uye kana makamubata sezvaanofanira,

17. uye nokufunga kuti baba vangu vakakurwirai, vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vakununurei kubva muruoko rweMidhiani

18. (asi nhasi mapandukira mhuri yababa vangu, mukaponda vanakomana vavo makumi manomwe padombo rimwe chete, uye mukaisa Abhimereki, mwanakomana womurandakadzi wavo kuti ave mambo pamusoro pavagere muShekemu nokuda kwokuti ihama yenyu),

19. kana zvino makaita norukudzo uye nokutenda kwakanaka kuna JerubhiBhaari nemhuri yake nhasi, Abhimereki ngaave mufaro wenyu, nemiwo muve wakewo!

20. Asi kana musina kudaro, moto ngaubude kubva kunaAbhimereki, uye uparadze imi, vagari veShekemu neBheti Miro, uye moto ngaubude kwamuri, vagari veShekemu neBheti Miro, ugoparadza Abhimereki!”

21. Ipapo Jotamu akatiza, akapunyukira kuBheeri, uye akagara ikoko nokuti akanga achitya mukoma wake Abhimereki.

22. Shure kwamakore matatu aAbhimereki achitonga Israeri,

23. Mwari akatuma mweya wakaipa pakati paAbhimereki navagari veShekemu, ukanyengera Abhimereki.

24. Mwari akaita izvi kuitira kuti zvakaipa zvakaitirwa vanakomana makumi manomwe vaJerubhi-Bhaari, kuteurwa kweropa ravo, kutsiviwe pamusoro pomunun'una wavo Abhimereki uye napamusoro pavagari veShekemu, avo vakanga vamubatsira kuponda vanakomana vababa vake.

25. Mukumurwisa kwavo, vagari ava veShekemu vakaisa varume pamusoro pezvikomo kuti vavandire nokupamba mumwe nomumwe aipfuura, uye izvi zvakaziviswa kuna Abhimereki.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 9