Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 8:29-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake.

30. Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji.

31. Murongo wake, aigara muShekemu, akamuberekerawo mwanakomana, akamutumidza kuti Abhimereki.

32. Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri.

33. Gidheoni akati achangofa, vaIsraeri vakafevazve vakatevera vaBhaari. Vakamisa Bhaari Bheriti samwari wavo uye

34. havana kurangarira Jehovha Mwari wavo, akanga avanunura kubva mumaoko avavengi vavo kumativi ose.

35. Vakatadza kuitira mhuri yaJerubhi-Bhaari (iye Gidheoni) zvakanaka pazvinhu zvose zvakanaka zvaakanga avaitira.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 8