Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 8:17-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Akakoromorawo shongwe yePenieri uye akauraya varume vomuguta.

18. Ipapo akabvunza Zebha naZarumuna akati, “Varume vamakauraya paTabhori vakanga vakadiniko?” Vakapindura vakati, “Varume vakaita semi, mumwe nomumwe aitaridzika somwanakomana wamambo.”

19. Gidheoni akati, “Ivavo vakanga vari vanun'una vangu vanakomana vamai vangu chaivo. Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, dai makanga mavaponesa, ini handaizokuurayai.”

20. Akatendeukira kuna Jeta mwanakomana wake mukuru, akati, “Vauraye!” Asi Jeta haana kuvhomora munondo wake, nokuti akanga achiri mukomana uye aitya.

21. Zebha naZarumuna vakati, “Uyai muzviite imi. ‘Munhu sezvaari ndizvo zvakaita simba rake.’ ” Saka Gidheoni akaswedera akavauraya, uye akatora zvishongo kubva mumitsipa yengamera dzavo.

22. VaIsraeri vakati kuna Gidheoni “Titonge iwe, mwanakomana wako nomuzukuru wako nokuti wakatiponesa kubva muruoko rwavaMidhiani.”

23. Asi Gidheoni akati kwavari, “Ini handingakutongei, uye mwanakomana wangu haangakutongei. Jehovha ndiye achakutongai.”

24. Uye akati, “Ndine chikumbiro chimwe chete, chokuti mumwe nomumwe wenyu andipe mhete yomunzeve kubva pamugove wezvamakapamba.” (Yakanga iri tsika yavaIshumaeri yokushonga mhete dzegoridhe dzomunzeve.)

25. Vakapindura vakati, “Tichafara kudzipa kwamuri.” Saka vakawaridza nguo pasi, uye murume mumwe nomumwe akakanda mhete yezvaakapamba pamusoro payo.

26. Uremu hwemhete dzegoridhe dzaakakumbira hwakasvika mashekeri chiuru chimwe namazana manomwea, pasingaverengwi zvishongo, uketani, nguo dzepepuru dzaipfekwa namadzimambo eMidhiani kana uketani hwakanga huri pamitsipa yengamera dzavo.

27. Gidheoni akaita nazvo efodhi yegoridhe iyo yaakaisa muOfira, guta rake. VaIsraeri vose vakaita ufeve nokuinamata ipapo, uye yakava musungo kuna Gidheoni nokumhuri yake.

28. Naizvozvo vaMidhiani vakakundwa pamberi pavaIsraeri uye havana kuzosimudzazve musoro wavo. Pamazuva okurarama kwaGidheoni, nyika yakava norugare kwamakore makumi mana.

29. Jerubhi-Bhaari mwanakomana waJoashi akadzokerazve kundogara kumusha kwake.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 8