Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 6:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye iye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe.

2. Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare.

3. VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nenyika yavo.

4. Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro.

5. Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimhokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 6