Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 5:5-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Makomo akadengenyeka pamberi paJehovha, Iye weSinai, pamberi paJehovha, Mwari weIsraeri.

6. “Mumazuva aShamugari mwanakomana waAnati, mumazuva aJaeri, migwagwa yakasiyiwa; vafambi vakafamba nenzira dzinopoterera.

7. Upenyu hwomumisha hwakapera, hwakapera kusvikira ini Dhibhora, ndasimuka, ndasimuka ini mai muIsraeri.

8. Pavakasarudza vamwari vatsva, hondo yakauya ichibva nokumasuo eguta, uye hakuna nhoo kana pfumo zvakaonekwa pakati pezviuru makumi mana muIsraeri.

9. Mwoyo wangu uri pamachinda eIsraeri, navaya vanozvipira pakati pavanhu. Rumbidzai Jehovha!

10. “Imi munotasva mbongoro chena, mugere pamachira ezvigaro zvenyu, nemi munofamba munzira, cherechedzai

11. inzwi ravaimbi panzvimbo dzemvura. Vanodetemba mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama avarwi vake muIsraeri.“Ipapo vanhu vaJehovha vakaburuka vakaenda kusuo reguta.

12. ‘Muka, muka, Dhibhora! Muka, muka, uimbe rwiyo! Simuka, Bharaki! Tapa vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.’

13. “Ipapo varume vakanga vasara vakaburuka vakaenda kumakurukota; vanhu vaJehovha vakauya kwandiri navane simba.

14. Vamwe vakauya vachibva kwaEfuremu, midzi yavo yakanga iri muna Amareki; Bhenjamini akanga ari pakati pavanhu vakakutevera iwe. Kubva kuna Makiri vatungamiri vakaburuka, kubva kuZebhuruni avo vanotakura tsvimbo yomutungamiri wehondo.

15. Machinda aIsakari akanga ana Dhibhora; hongu Isakari akanga ana Bharaki, vachimhanyira kumupata vachimutevera. Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.

16. Seiko wakagara pakati pezvoto kuti unzwe muridzo unoridzirwa makwai? Mudunhu raRubheni makanga muno kunzvera kwomwoyo kukuru.

17. Gireadhi akagara mhiri kwaJorodhani. Uye Dhani, akasarireiko pazvikepe? Asha akasara zvake pamahombekombe Uye akagara zvake panopinda mvura dzegungwa.

18. Vanhu veZebhuruni vakaisa upenyu hwavo panjodzi; neNafutari yakadarowo panzvimbo dzakakwirira dzeminda.

19. “Madzimambo akauya, akarwa; madzimambo eKenani akarwa paTaanaki pamvura zhinji yeMegidho, asi havana kudzoka vakatakura sirivha, kana zvakapambwa.

20. Kubva kumatenga nyeredzi dzakarwa, dziri panzira dzadzo dzakarwa naSisera.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 5