Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 21:3-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?”

4. Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari uye vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

5. Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.

6. Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. “Vakati nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.”

7. Tichapa seiko vakadzi kuna avo vakasara, sezvo takapika kuna Jehovha kuti tirege kupa upi zvake wavanasikana vedu kuti awanikwe navo.

8. Ipapo vakabvunza vakati, “Ndavapiko pamarudzi aIsraeri vakatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa?” Vakawana kuti kwakanga kusina munhu aibva kuJabheshi Gireadhi akanga auya kumusasa kuungano.

9. Nokuti vakati vaverenga vanhu, vakaona kuti kwakanga kusina munhu weJabheshi Gireadhi akanga aripo.

10. Saka ungano yakatuma varume vehondo zviuru gumi nezviviri varayirwa kuti vaende Jabheshi Gireadhi vandouraya nomunondo vanhu vanogarako, kusanganisira vakadzi navana.

11. Vakati, “Hezvi zvamunofanira kuita: Urayai murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe asiri mhandara.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 21