Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 21:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Varume veIsraeri vakanga vaita mhiko paMizipa vachiti: “Hapana mumwe wedu acharoodza mwanasikana wake kumuBhenjamini.”

2. Vanhu vakaenda kuBheteri, uko kwavakagara pamberi paMwari kusvikira madekwana, vachisimudza manzwi avo uye vachichema zvikuru.

3. Vakachema vachiti, “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, seiko izvi zvakaitika kuIsraeri? Seiko rumwe rudzi rwashayikwa muIsraeri nhasi?”

4. Mangwanani ezuva rakatevera, vanhu vakavaka aritari uye vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

5. Ipapo vaIsraeri vakabvunza vakati, “Ndianiko kubva kumarudzi ose aIsraeri akatadza kuungana navamwe pamberi paJehovha?” Nokuti vakanga vaita mhiko kuti ani zvake anotadza kuungana navamwe pamberi paJehovha paMizipa anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.

6. Zvino vaIsraeri vakasuwa nokuda kwehama dzavo, vaBhenjamini. “Vakati nhasi rumwe rudzi rwabviswa pana Israeri.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 21