Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 2:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mutumwa waJehovha akakwira achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi,

2. uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo?

3. Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.”

4. Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo,

5. uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha.

6. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake.

7. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.

8. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete.

9. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.

10. Mushure mokunge rudzi rwose rwasanganiswa namadzibaba arwo, rumwe rudzi rwakanga rusingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri rwakamuka.

11. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari.

12. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vamarudzi akanga akavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha.

13. Nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti.

14. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa.

15. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika pamusoro pavo. Vakanga vari munhamo huru.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 2