Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 17:7-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha,

8. akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu.

9. Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?” Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.”

10. Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumic pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.”

11. Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake.

12. Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make.

13. Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 17