Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 16:21-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo.

22. Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa.

23. Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.”

24. Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, iye akaparadza nyika yedu akawanza vakaurayiwa vedu.”

25. Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akavatambira. Vakati vamumisa pakati pembiru,

26. Samusoni akati kumuranda akanga akabata ruoko rwake, “Ndiise pandinogona kubata mbiru dzinotsigira temberi, kuitira kuti ndisendamire padziri.”

27. Zvino temberi yakanga izere navarume navakadzi; vatongi vose vavaFiristia vakanga varimo uye padenga pakanga pane varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu vakatarira Samusoni achitamba.

28. Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.”

29. Ipapo Samusoni akabata mbiru dzapakati paakanga amire dzetemberi. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi pane imwe uye rworuboshwe pane imwe yacho,

30. Samusoni akati, “Regai hangu ndife navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, uye temberi yakaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.

31. Ipapo vanun'una vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye uye vakandomuviga pakati peZora neEshitori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 16