Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 16:12-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda.

13. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa,

14. akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa.

15. Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.”

16. Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu.

17. Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”

18. Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo.

19. Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari.

20. Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari.

21. Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo.

22. Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa.

23. Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 16