Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 15:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Akati aswedera kuRehi, vaFiristia vakauya kwaari vachidanidzira. Mweya waJehovha wakauya paari nesimba. Mabote akanga ari mumaoko ake akaita sorushinda, uye zvisungo zvikadonha mumaoko ake.

15. Akawana rushaya rutsva rwembongoro, akarubata akauraya varume chiuru.

16. Ipapo Samusoni akati, “Norushaya rwembongoro ndavaita mbongoro. Norushaya rwembongoro ndauraya varume chiuru.”

17. Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo ikanzi Ramati Rehi.

18. Nemhaka yokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here uye ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?”

19. Ipapo Mwari akazarura mukaha muRehi, uye mvura ikabuda mauri. Samusoni akati anwa, simba rake rakadzoka maari uye akamutsiridzwazve. Saka tsime iro rakanzi Eni Hakore, uye richirimo muRehi.

20. Samusoni akatungamirira vaIsraeri kwamakore makumi maviri mumazuva avaFiristia.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 15