Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 13:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa nomukadzi wake ipapo, Manoa akaziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha.

22. Akati, “Tichafa zvirokwazvo! Taona Mwari!”

23. Asi mukadzi wake akati, “Kana Jehovha anga achida kutiuraya, angadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa uye chipiriso chezviyo kubva mumaoko edu, uye angadai asina kutiratidza zvinhu zvose izvi kana kutiudza izvi zvino.”

24. Mukadzi akasununguka mwanakomana uye akamutumidza zita rokuti Samusoni. Akakura uye Jehovha akamuropafadza,

25. uye Mweya waJehovha wakatanga kumumutsa paakanga ari paMahane Dhani, pakati peZora neEshitaori.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 13