Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 11:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jefuta muGireadhi, akanga ari murwi ane simba. Baba vake vainzi Gireadhi; mai vake vakanga vari chifeve.

2. Mukadzi waGireadhi akamuberekerawo vanakomana, uye vakati vakura, vakadzinga Jefuta. Vakati, “Iwe hauna nhaka ipi zvayo yauchawana mumhuri yedu, nokuti uri mwanakomana womumwe mukadzi.”

3. Saka Jefuta akatiza kubva pavanun'una vake akandogara munyika yeTobhi, uko kwaakandounganirwa navarume vakaipa uye vakamutevera.

4. Mushure menguva yakati kuti, vaAmoni vakarwa navaIsraeri,

5. Vakuru veGireadhi vakaenda kundotora Jefuta kubva kunyika yeTobhi.

6. Vakati, “Uya uzova mutungamiri wehondo, kuti tigorwa navaAmoni.”

7. Jefuta akati kwavari, “Hamuna kundivenga here mukandidzinga mumba mababa vangu? Sei mava kuuya kwandiri zvino, imi mava munhamo?”

8. Vakuru veGireadhi vakati kwaari, “Zvisinei hazvo, isu hedu tiri kudzokera kwamuri iye zvino; handei tose kundorwa navaAmoni, uye muchava mukuru wedu pamusoro pavose vagere muGireadhi.”

9. Jefuta akapindura akati, “Ngatimboti madzokera neni kundorwa navaAmoni uye Jehovha akavapa kwandiri, ndichava mukuru wenyu zvechokwadi here?”

10. Vakuru veGireadhi vakapindura vakati, “Jehovha ndiye chapupu chedu; zvirokwazvo tichaita sezvaunoreva.”

11. Saka Jefuta akaenda navakuru veGireadhi, uye vanhu vakamuita mukuru wavo uye mutungamiri wehondo. Uye akadzokorora mashoko ake ose pamberi paJehovha muMizipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 11