Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5:9-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?

10. Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vane zviuru gumi.

11. Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.

12. Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa nezvishongo.

13. Matama ake akaita semihomba yezvinonhuwira. inobereka zvinonhuwira. Miromo yake yakaita samaruva anodonha mura.

14. Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafiri.

15. Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.

16. Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 5