Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.

8. Ngatiendei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatiendei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, panhongonya peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.

9. Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; ndatorwa mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.

10. Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini. Uye kunhuwira kwamafuta ako okuzora vkunokunda zvose zvinonhuwira.

11. Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.

12. Wakaita sebindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Wakaita setsime rakakomberedzwa nechisipiti chakavakirirwa.

13. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,

14. naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa.

15. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.

16. Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4