Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,

14. naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuwira nemura negavakava, uye zvose zvinonhuwira zvakanakisisa.

15. Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.

16. Muka iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4