Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.

2. Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro.

3. Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri mumumbure wako akaita sezvikamu zviviri zvedamba.

4. Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru dzose dziri nhoo dzemhare.

5. Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pamaruva.

6. Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuwira.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 4