Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata.

2. Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

3. Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya.

4. Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5. Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo.

6. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

7. Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

8. Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo.

9. Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

Verenga chitsauko zvakakwana Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 2