Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rute 3:3-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Shamba ugozora mafuta anonhuwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa.

4. Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Iye achakuudza zvaunofanira kuita.”

5. Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.”

6. Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake.

7. Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi.

8. Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake.

9. Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?”Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai nguo yenyu muise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.”

10. Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi.

11. Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga.

12. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti ndiri hama yapedyo, pane imwe hama yapedyo ari pedyo kupfuura ini.

Verenga chitsauko zvakakwana Rute 3