Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rute 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Naomi anosangana naBhoazi

1. Zvino Naomi aiva nehama yokumurume wake, aibva kuimba yaErimereki, murume akasimukira, zita rake richinzi Bhoazi.

2. Zvino Rute muMoabhu akati kuna Naomi, “Regai ndiende kuminda ndinonongera zviyo zvinosara ndiri shure kwaani zvake achandiitira nyasha.”Naomi akati kwaari, “Enda hako mwanasikana wangu.”

3. Naizvozvo akaenda kuminda akatanga kunongera ari muminda achitevera shure kwavacheki. Zvakaitika ndezvokuti akabva angoenda kundoshanda mumunda waBhoazi, uyo aibva kuimba yaErimereki.

4. Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!”Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!”

5. Bhoazi akabvunza mutariri wavacheki akati, “Ko, mukadzi wechidiki uyo ndowani?”

6. Mutariri akapindura akati, “Mukadzi wechiMoabhu akadzoka pamwe chete naNaomi vachibva kuMoabhu.

7. Iye ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.”

8. Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava.

9. Utarire munda uyo waunoona varume vachicheka, ugotevera mushure mavasikana. Ndarayira majaya kuti arege kukubata. Uye paunonzwira nyota, uende kunonwa mvura mumidziyo iyo yazadzwa namajaya.”

10. Ipapo, akawira pasi nechiso chake akatsikitsira pasi. Akashamisika, akati, “Zvaita sei kuti ndiwane nyasha dzakadai pamberi penyu kuti mundione ini mutorwa?”

11. Bhoazi akapindura achiti, “Ndakaudzwa pamusoro pezvose zvawakaitira vamwene vako kubva pakufa kwomurume wako, uye kuti wakasiya sei baba vako namai vako uye nenyika yokwako ukauya kuzogara navanhu vawakanga usingazivi.

12. Jehovha, ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake.”

13. Rute akati, “Regai ndirambe ndichiwana nyasha pamberi penyu, ishe wangu. Mandinyaradza uye mataura netsitsi kumurandakadzi wenyu kunyange ndisina kufanana navamwe varandakadzi venyu.”

14. Panguva yokudya, Bhoazi akati kwaari, “Uya kuno. Tora chingwa udye uchiseva muvhiniga iyi.”Akati agara pasi navacheki, Bhoazi akamupa zviyo zvakakangwa. Iye akadya zvose zvaaida zvimwe zvikasara.

15. Paakasimuka kuti anongere, Bhoazi akarayira majaya ake achiti, “Kunyange akaunganidza pakati pezvisote, musamudzivisa.

16. Asi, mumuvhomorere dzimwe tsama, kubva pamasumbu enyu mumusiyire agononga, uye musamutsiura.”

17. Naizvozvo Rute akanongera ari mumunda kusvikira manheru. Ipapo akapura bhari raakanga aunganidza, rikasvika pachiero cheefaa.

18. Akaritakura akaenda naro kuguta, vamwene vake vakaona kuti akanga aunganidza zvakadini. Rute akavigirawo vamwene vake zvaakanga asiya paakanga adya akaguta.

19. Vamwene vake vakamubvunza vakati, “Nhasi wanga uchinongera uri kupiko? Washandirepi? Ngaaropafadzwe murume uyo akuona.” Ipapo Rute akaudza vamwene vake pamusoro pomunhu akanga ari mwene wenzvimbo yaakanga achishandira. Akati kwaari, “Zita romurume wandashanda naye nhasi ndiBhoazi.”

20. Naomi akati kumuroora wake, “Jehovha ngaamuropafadze! Iye asina kurega kuratidza tsitsi kuvapenyu navakafa.” Akati, “Murume iyeye ihama yedu yapedyo; mumwe wavadzikinuri vedu.”

21. Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ”

22. Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.”

23. Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.